European Union yazivisa kuti yave kupera mari yechirongwa chayo chikuru chedzidzo, Erasmus.
Chirongwa ichi, icho chinoita kuti pave nekuchinjana kwevadzidzi pakati penyika dziri muEU nenyika dzakavakidzana, hachizokwanisi kuenderera mberi mushure megore rinouya kana nyika dziri nhengo dzikatadza kuendesa mari kuEU.
Turkey ndeimwe yenyika dzinobatsira zvakanyanya kubva kuchirongwa ichi. Gore rakapera vanopfuura 10,000 vadzidzi veTurkey vakadzidza muEurope kuburikidza neErasmus, uye 4,288 mudzidzi weEurope akasarudza kudzidza kuTurkey.
(Hürriyet Daily News)


